1 Samueri 3:9-10
1 Samueri 3:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka Eri akati kunaSamueri: Cindoʋata hako; ɀino kana iye okuɗana, uti: Taurai Jehova, nokuti muranda wenyu unonzwa. Naiɀoɀo Samueri akaenda, akandoʋata panɀimbo yake. Ipapo Jehova akaʋuya, akamira, akaɗana sapaŋguʋa dzimŋe dzokutaŋga, akati: Samueri, Samueri! Samueri akati: Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.
1 Samueri 3:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’ ” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake. Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”
1 Samueri 3:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake. Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, “Samueri, Samueri!” Samueri akati, “Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.”
1 Samueri 3:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.”
1 Samueri 3:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)