Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 30:6 - Compare All Versions

1 Samueri 30:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 30 BDSC

1 Samueri 30:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti mwoyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 30 SNA2002

1 Samueri 30:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake.

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 30 SCLBD

1 Samueri 30:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Davidi akatambudzika ɀikuru, nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋoɗa kumutaka namabge, nokuti mŋoyo yaʋanhu ʋose yakaŋga ineshuŋgu, mumŋe nomumŋe pamsoro paʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake; asi Davidi wakatȿaka simba rake kunaJehova Mŋari wake.

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 30 SUB1949

1 Samueri 30:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake.

Pakurirana nevamwe
1 Samueri 30 SCLB