1 VaTesaronika 1:2-3
1 VaTesaronika 1:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.
1 VaTesaronika 1:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu; tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu
1 VaTesaronika 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu.
1 VaTesaronika 1:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tinoʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu mose, ticikuraŋgarirai pakunyeŋgetera kweɗu; ticiramba ticiraŋgarira ɓasa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira ʋamŋe kunobva paruɗo, nokutsuŋgirira kunobva patariro munaShe weɗu, Jesu Kristu, pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu
1 VaTesaronika 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu.