1 Timoti 1:9-10
1 Timoti 1:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinozivawo kuti murayiro hauna kuitirwa vakarurama asi vanodarika murayiro navanomukira, vasina umwari navatadzi, vasiri vatsvene navasina chinamato; vaya vanouraya vanababa vavo kana vanamai vavo, vanouraya vanhu, mhombwe navanopomba navamwe varume, navanotengesa vanhu kuti vave varanda, varevi venhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chipi zvacho chinopesana nedzidziso yechokwadi
1 Timoti 1:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
achiziva kuti murayiro hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina hanya nomurayiro, navasingateereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasina hanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai, navanouraya vanhu; nemhombwe, navanopombora navarume, navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakarurama
1 Timoti 1:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi chatinozivawo ndechokuti mutemo hauisirwi vakarurama asi unoisirwa vanhu vasina mutemo nenhubu navasina Mwari navatadzi, navasinei naMwari navanhu vasina matyira nezvinhu zvinoera nemhondi dzinouraya madzibaba nemhondi dzinouraya amai navanouraya vanhu navanoita upombwe uyewo ngochani namatasvuramwoyo navarevi venhema navanopika zvenhema navanoita zvinopesana nechidzidziso chechokwadi
1 Timoti 1:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
aciziʋa kuti murairo hauna‐kuitirwa wakarurama, asi ʋasinehanya nomurairo, naʋasiŋgatereri, naʋasiŋgaɗi Mŋari, naʋatadzi, naʋasi ʋatȿene, naʋasinehanya naMŋari, naʋanoroʋa madziɓaɓa, naʋanoroʋa madzimai, naʋanoʋuraya ʋanhu; nemhombge, naʋanopombora naʋarume, naʋanoɓa ʋanhu, naʋanoreʋa nhema, naʋanopika nhema, ʋuye kana cimŋe ciri’ko cinopesana nedzidziso yakarurama
1 Timoti 1:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)