1 Timoti 2:1-2
1 Timoti 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene.
1 Timoti 2:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa.
1 Timoti 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti: madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose.
1 Timoti 2:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo pakutaŋga kweɀose ndinoraira kuti ʋanhu ʋose ʋakumbirirwe, ʋanyeŋgetererwe, ʋareʋererwe, ʋaʋoŋgerwe; madzimambo, naʋose ʋari ʋakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mŋari kwose, nomugarire unokudzwa.
1 Timoti 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)