1 Timoti 2:8-10
1 Timoti 2:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo. Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.
1 Timoti 2:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo. Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana mapera, kana nguo dzinodya mari zhinji; asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.
1 Timoti 2:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munzvimbo dzose ndinoda kuti varume vanamate vakasimudza maoko matsvene vasina hasha kana gakava uye kuti vakadzi vazvishongedze zvine mwero zvino hunhu vaine hanzu dzine chimiro vasingagadziri vhudzi ravo zvokunanisira kana kurishongedza nendarama kana namatombo anokosha amapera kana hanzu dzinodhura asi zvishongo zvavo ngazvive mabasa akanaka sezvinokodzerana navakadzi vanotya Mwari.
1 Timoti 2:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ndinoɗa kuti ʋarume ʋanyeŋgetere panɀimbo dzose, ʋacisimudza maʋoko matȿene, ʋasinakutsamŋa nenharo. Saiɀoɀo ʋo, kuti ʋakadzi ʋashoŋge ŋguʋo dzakafanira, ʋanokunyara nokuɀidzora; ʋasaʋa nevudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana ŋguʋo dzinodya mari zhinji; asi ŋgaʋashoŋge maɓasa akanaka, seɀinofanira ʋakadzi ʋanoti tinonamata Mŋari.
1 Timoti 2:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)