1 Timoti 3:12-13
1 Timoti 3:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka. Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
1 Timoti 3:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwechete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka; nokuti avo vakushumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa, nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
1 Timoti 3:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madhikoni anofanira kuva murume womukadzi mumwechete uye vanhu vanochengeta vana vavo nemhuri dzavo zvakanaka. Avo vanoita basa ravo zvakanaka samadhikoni vanozviwanira zita rakanaka uye chivimbo chikuru muchitendero chavo muna Kristu Jesu.
1 Timoti 3:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋashumiri ŋgaʋaʋe ʋarume ʋanomukadzi mumŋe cete, ʋanoɓata ʋana ʋaʋo nedzimba dzaʋo ɀakanaka; nokuti aʋo ʋakashumira ɀakanaka, ʋanoɀiwanira zita rinokudzwa, nokutsuŋga kukuru pakutenda kwaʋo munaKristu Jesu.
1 Timoti 3:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)