1 Timoti 3:16
1 Timoti 3:16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.
1 Timoti 3:16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
1 Timoti 3:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinopupura kuti zvakavandika zvechitendero chedu zvikuru kwazvo zvokuti: akaonekwa akaratidzwa pachena aine muviri akapembedzwa naMweya akaonekwa navatumwa akaparidzwa kumarudzi akatendwa pasi pose akazokwira kudenga aine mbiri.
1 Timoti 3:16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakuna‐uŋgaramba kuti cakaʋanzika cokunamata cikuru kwaɀo, cokuti: Iye wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamŋeya, wakaʋonekwa naʋatumŋa, wakaparidzwa pakati paʋahedeni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubginya.
1 Timoti 3:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)