2 Makoronike 26:16
2 Makoronike 26:16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Uzia paakava nesimba, kuzvikudza kwake kwakamutungamirira mukuwa kwake. Haana kutendeka kuna Jehovha Mwari wake, uye akapinda mutemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuhwira paaritari yezvinonhuhwira.
2 Makoronike 26:16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi akati asimba, mwoyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.
2 Makoronike 26:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakanga zvino Uziya ava namasimba kudaro akatanga kuzvikudza zvikazomuparadza. Chakaitika ndechokuti haana kuva pachokwadi naTenzi, Mwari wake. Akapinda mutemberi yaTenzi kundopisa rusenzi paatari yourusenzi.
2 Makoronike 26:16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi wakati asimba, mŋoyo wake ukaɀikudza, akazoita ɀakashata, akatadzira Jehova Mŋari wake; nokuti wakapinda patembere yaJehova kundopisa ɀinonhuwira paartari yeɀinonhuwira.
2 Makoronike 26:16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)