2 VaKorinde 9:10-11
2 VaKorinde 9:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu; mucifumiswa paɀose mugoziʋa kupa ɀakawanda, ɀinoti, kana ɀiciitwa nesu, Mŋari unoʋigirwa naɀo kuʋoŋga.
2 VaKorinde 9:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu. Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.
2 VaKorinde 9:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu; muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari anovigirwa nazvo kuvonga.
2 VaKorinde 9:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako. Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita.
2 VaKorinde 9:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)