2 Madzimambo 2:10 - Compare All Versions
2 Madzimambo 2:10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akati, “Wakumbira chinhu chakaoma, asi kana ukandiona ndichitorwa kubva kwauri, uchaupiwa, asi kana zvisina kudaro, haungaupiwi.”
2 Madzimambo 2:10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.”
2 Madzimambo 2:10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Iye ndokuti, “Chawakumbira ichi chinhu chakaoma. Zvisinei zvazvo kutorwa kwandichaitwa kana ndikatorwa uchiona zvichaitwa saizvozvo kwauri, asi kana ndikatorwa usiri kuona hazvizoitika saizvozvo.”
2 Madzimambo 2:10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akati: Wakumbira cinhu cinogozha; asi kana ukandiʋona ndicibviswa kwauri, ucaitirwa iɀoɀo; asi kana usiŋgandiʋoni, hauŋgaitirwi iɀoɀo.
2 Madzimambo 2:10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye ndokuti, “Chawakumbira ichi chinhu chakaoma. Zvisinei zvazvo kutorwa kwandichaitwa kana ndikatorwa uchiona zvichaitwa saizvozvo kwauri, asi kana ndikatorwa usiri kuona hazvizoitika saizvozvo.”