Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 20:1 - Compare All Versions

2 Madzimambo 20:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 20 BDSC

2 Madzimambo 20:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 20 SNA2002

2 Madzimambo 20:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa zvoupenyu kwamuri hapasisina.”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 20 SCLBD

2 Madzimambo 20:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia wakarwara, kuȿikira pakufa. Muprofita Isaya mŋanakomana waAmozi akaȿika kwaari, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ciraira nhaka yako, nokuti ucafa, hauŋgararami.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 20 SUB1949

2 Madzimambo 20:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa zvoupenyu kwamuri hapasisina.”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 20 SCLB