2 Madzimambo 20:3 - Compare All Versions
2 Madzimambo 20:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru.
2 Madzimambo 20:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
2 Madzimambo 20:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
“Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo.
2 Madzimambo 20:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ƌoraŋgarirai henyu, Jehova, kuti ndakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi nomŋoyo wose, ndikaita ɀakanaka pamberi penyu. Hezekia akacema kwaɀo.
2 Madzimambo 20:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)