2 Madzimambo 4:7 - Compare All Versions
2 Madzimambo 4:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenda kundoudza munhu waMwari uye iye akati, “Chienda unotengesa mafuta ugoripa zvikwereti zvako, iwe navanakomana vako mugorarama neanenge asara.”
2 Madzimambo 4:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, “Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwerete chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako.”
2 Madzimambo 4:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mudzimai uyu akaenda akandoudza munhu waMwari iye akabva ati, “Chiendai mutengese mafuta iwayo muripe zvikwereti zvenyu, imi navanakomana venyu munozoraramiswa nezvinenge zvasara.”
2 Madzimambo 4:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo akandoʋudza munhu waMŋari, iye akati: Cienda undoteŋgesa mafuta, uripe cikwerete cako, urarame neɀakasara, iwe naʋanakomana ʋako.
2 Madzimambo 4:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai uyu akaenda akandoudza munhu waMwari iye akabva ati, “Chiendai mutengese mafuta iwayo muripe zvikwereti zvenyu, imi navanakomana venyu munozoraramiswa nezvinenge zvasara.”