Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 5:13 - Compare All Versions

2 Madzimambo 5:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Varanda vaNaamani vakaenda kwaari vakati, “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ ”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 5 BDSC

2 Madzimambo 5:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, “Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, ‘Shamba, uve wakanaka?’ ”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 5 SNA2002

2 Madzimambo 5:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Varanda vake vakaswedera paari vakati kwaari, “Nhai baba, dai muporofita uyu anga ati muite chimwe chinhu chikuru mungadai musina kuchiita here? Ndoda zvapo apa paangokutii shambai muchenurwe!”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 5 SCLBD

2 Madzimambo 5:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋaranda ʋake ʋakasweɗera, ʋakataura naye, ʋakati: Nhai, ɓaɓa ʋeɗu, Ƌai muprofita akakurairai kuita cinhu cikuru, hamuzaiciita here? Ndoɗa ɀaakati kwamuri: Shamba, uʋe wakanaka?

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 5 SUB1949

2 Madzimambo 5:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Varanda vake vakaswedera paari vakati kwaari, “Nhai baba, dai muporofita uyu anga ati muite chimwe chinhu chikuru mungadai musina kuchiita here? Ndoda zvapo apa paangokutii shambai muchenurwe!”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 5 SCLB