Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 6:15 - Compare All Versions

2 Madzimambo 6:15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 BDSC

2 Madzimambo 6:15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SNA2002

2 Madzimambo 6:15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SCLBD

2 Madzimambo 6:15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino muranda womunhu waMŋari wakati amuka maŋgwanani, akaɓuɗa, ndokuʋona hondo namabiza neŋgoro ɀakakomba guta. Muranda wake akati kwaari: Haiwa! tenzi waŋgu, ticaɗiniko?

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SUB1949

2 Madzimambo 6:15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?”

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SCLB