Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 6:17 - Compare All Versions

2 Madzimambo 6:17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 BDSC

2 Madzimambo 6:17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Erisha akanyengetera, akati, “Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SNA2002

2 Madzimambo 6:17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Erisha ndokunamata achiti, “Imi Tenzi ndapota pengenutsaiwo meso ake kuti aone.” Saizvozvo Tenzi akapengenutsa jaya iri meso rikabva raona. Ndiye onei gomo rakati shutu kuzara nengoro dzehondo dzamabhiza dzakakomberedza Erisha.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SCLBD

2 Madzimambo 6:17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Erisha akanyeŋgetera, akati: Jehova, ȿinudzai henyu meso ake, aʋone. Ipapo Jehova akaȿinudza meso ejaya, akaʋona gomo rizere namabiza, neŋgoro dzomŋoto ɀakaŋga ɀakakomba Erisha.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SUB1949

2 Madzimambo 6:17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Erisha ndokunamata achiti, “Imi Tenzi ndapota pengenutsaiwo meso ake kuti aone.” Saizvozvo Tenzi akapengenutsa jaya iri meso rikabva raona. Ndiye onei gomo rakati shutu kuzara nengoro dzehondo dzamabhiza dzakakomberedza Erisha.

Pakurirana nevamwe
2 Madzimambo 6 SCLB