2 Samueri 11:2-3 - Compare All Versions
2 Samueri 11:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?”
2 Samueri 11:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhoo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakanga achishamba; zvino mukadzi uyo wakanga akanaka kwazvo pakuonekwa kwake. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, “Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?”
2 Samueri 11:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvakaitika kuti manheru zuva rarereka Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake ofamba-famba zvake padenga remba yamambo, ari padengapo akaona mukadzi aishamba muviri. Mukadzi uya akanga aine chimiro chakanaka kwazvo. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi iyeyo ndiani. Mumwe akati, “Haasi Bhatishebha here, mwana waEriamu mudzimai waUriya muHiti?”
2 Samueri 11:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino neŋguʋa yamaɗekwana, Davidi akamuka panhoʋo dzake, akafamba pamsoro peɗeŋga reimba yamambo; akaʋona, ari’po paɗeŋga, mukadzi wakaŋga acishamba; ɀino mukadzi uyo wakaŋga akanaka kwaɀo pakuʋonekwa kwake. Davidi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumŋe akati: Ko haazi iye Bati‐sheba mukunda waEriami, mukadzi waUria muHiti here?
2 Samueri 11:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)