2 Samueri 14:14 - Compare All Versions
2 Samueri 14:14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Semvura yadeukira pasi, isingazogoni kudyorerwa, saizvozvo tinofanira kufa. Asi Mwari haaurayi munhu; pachinzvimbo chaizvozvo anotoronga zano rokuti akadzingwa arege kuraswa zvachose naye.
2 Samueri 14:14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye.
2 Samueri 14:14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Chedu isu tose kwava kungofa chete, tangova semvura yarasikira pasi isina angaihorere asi Mwari haangambouraya munhu anoronga kuti nyakurova wenyu iyeyo arege kuramba ari munhu akaraswa kudaro.
2 Samueri 14:14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateʋurirwa pasi, isiŋgagoni kuworerwa ɀe; Mŋari haatoreri munhu ʋupenyu, asi unofuŋga mano kuti wakadziŋgwa arege kurashwa cose naye.
2 Samueri 14:14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chedu isu tose kwava kungofa chete, tangova semvura yarasikira pasi isina angaihorere asi Mwari haangambouraya munhu anoronga kuti nyakurova wenyu iyeyo arege kuramba ari munhu akaraswa kudaro.