2 Samueri 16:11-12 - Compare All Versions
2 Samueri 16:11-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma. Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.”
2 Samueri 16:11-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, “Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha wakamuraira. Zvimwe Jehovha uchaona zvakaipa zvandakaitirwa, zvimwe Jehovha uchandiitira zvakanaka pamusoro pokundituka kwake nhasi.”
2 Samueri 16:11-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Dhavhidhi akati kuna Abhishai nokumakurukota ake ose, “Hamuoniwo here kuti mwana wangu chaiye wokubereka ari kuda kuparadza upenyu hwangu. Ko kutozoti uyu wokwaBhenjamini zvake? Muregei akadaro. Regai atuke zvake nokuti Tenzi ndiye aita kuti adaro. Zvichida Tenzi achaona dambudziko rangu akandiitira zvakanaka pamusana pokunyombwa kwandiri kuitwa.”
2 Samueri 16:11-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Davidi akati kunaAbishai, nokuʋaranda ʋake ʋose: Tarirai, iye mŋanakomana waŋgu wandakaɓereka, unotȿaka kundiʋuraya; ndoɗa ɀino muBenjamini uyu! Muregei, ŋgaatuke hake, nokuti Jehova wakamuraira. Ɀimŋe Jehova ucaʋona ɀakaipa ɀandakaitirwa, ɀimŋe Jehova ucandiitira ɀakanaka pamsoro pokundituka kwake nhasi.
2 Samueri 16:11-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)