Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 18:33 - Compare All Versions

2 Samueri 18:33 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo akadedera. Akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo akachema. Paaifamba aiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Dai chete ndafa hangu ini pachinzvimbo chako! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 18 BDSC

2 Samueri 18:33 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, “Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 18 SNA2002

2 Samueri 18:33 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mambo akabatwa neshungu akakwira akandopinda mumba yaiva pamusoro pesuo guru akahwihwidza kuchema akaendako achiti, “Ho Baba iwe, mwanangu Abhusharomu. Mwanangu kani. Mwanangu Abhusharomu. Dai ndiri ini zvangu ndafa iwe wasara. Nhai Abhusharomu mwanangu mwanangu.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 18 SCLBD

2 Samueri 18:33 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mambo akavunduka kwaɀo, akakwira kukamuri yakaŋga iri pamsoro pesuʋo, akacema; akaramba acifamba, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu Absaromi! Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu panɀimbo yako, haiwa Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 18 SUB1949

2 Samueri 18:33 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo akabatwa neshungu akakwira akandopinda mumba yaiva pamusoro pesuo guru akahwihwidza kuchema akaendako achiti, “Ho Baba iwe, mwanangu Abhusharomu. Mwanangu kani. Mwanangu Abhusharomu. Dai ndiri ini zvangu ndafa iwe wasara. Nhai Abhusharomu mwanangu mwanangu.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 18 SCLB