Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 9:7 - Compare All Versions

2 Samueri 9:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 9 BDSC

2 Samueri 9:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 9 SNA2002

2 Samueri 9:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Dhavhidhi akati kwaari, “Usatye zvako nokuti zvokukuitira mwoyochena ndinofanira kukuitira mwoyochena chaizvo pamusana pababa wako Jonatani. Ndichadzosera kwauri minda yose yokwaSauro vasekuru vako, uyezve uchange uchidya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 9 SCLBD

2 Samueri 9:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Davidi akati kwaari: Usatya, nokuti ɀirokwaɀo ndicakuitira ɀakanaka nokuɗa kwaJonatani ɓaɓa ʋako, ʋuye ndicakudzosera nyika yose yaɓaɓa ʋako Sauro; iwe ucagara ucidya ɀokudya patafura yaŋgu.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 9 SUB1949

2 Samueri 9:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Dhavhidhi akati kwaari, “Usatye zvako nokuti zvokukuitira mwoyochena ndinofanira kukuitira mwoyochena chaizvo pamusana pababa wako Jonatani. Ndichadzosera kwauri minda yose yokwaSauro vasekuru vako, uyezve uchange uchidya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 9 SCLB