2 VaTesaronika 2:9-10
2 VaTesaronika 2:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uti vagoponeswa.
2 VaTesaronika 2:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.
2 VaTesaronika 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa.
2 VaTesaronika 2:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuʋuya kwake iye kwakaita seɓasa raSatani nesimba rose, neɀiratidzo, neɀinoshamisa ɀenhema, nokunyeŋgera kwose kwokusarurama kunaʋanorashika; nokuti haʋana‐kugamucira ruɗo rweɀokwaɗi, kuti ʋaponeswe.
2 VaTesaronika 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa.