Mabasa 1:10-11
Mabasa 1:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari. Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”
Mabasa 1:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena; ivo vakati, “Imi varume veGariria, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, akabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.”
Mabasa 1:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.”
Mabasa 1:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋacitarisisa kuɗeŋga, iye acikwira, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋamira naʋo ʋakafuka ŋguʋo cena; iʋo ʋakati: Imi ʋarume ʋeGarirea, makamirireiko makatarira kuɗeŋga? Uyu Jesu, wakabʋa kwamuri, akakwidzwa kuɗeŋga, ucaʋuya saiɀoɀo, seɀamamuʋona acienda kuɗeŋga.
Mabasa 1:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)