Mabasa 1:4-5
Mabasa 1:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavarayira achiti, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho. Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.”
Mabasa 1:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akavarayira, aungana navo, kuti varege kubva Jerusaremu, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri; nokuti Johani, zvirokwazvo, akabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.
Mabasa 1:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti, “Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.”
Mabasa 1:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akaʋaraira, aʋuŋgana naʋo, kuti ʋarege kubva Jerusarema, asi ʋagarire cipikirwa caƂaɓa, aciti, ciya camakanzwa kwandiri; nokuti Johane, ɀirokwaɀo, wakabapatidza nemvura; asi imi mucabapatidzwa noMŋeya Musente, mazuʋa mazhinji asati apera.
Mabasa 1:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti, “Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.”