Mabasa 16:25-26
Mabasa 16:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.
Mabasa 16:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.
Mabasa 16:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera. Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka.
Mabasa 16:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera. Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka.
Mabasa 16:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)