Mabasa 19:19 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 19:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.
Mabasa 19:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navamwe vazhinji vaiita un'anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivha ane zviuru zvina makumi mashanu.
Mabasa 19:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naʋamŋe ʋazhinji ʋaiita ʋuŋaŋga, ʋakaʋuŋganidza buku dzaʋo, ʋakadzipisa pamberi paʋose; ʋakaʋereŋga muteŋgo wadzo, ʋakawana kuti waiʋa masirveri aneɀuru ɀinamakumi mashanu.
Mabasa 19:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha.
Mabasa 19:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha.