Maɓasa Aʋaapostora 19
19
Pauro paEfeso.
1Ɀino Aporo aciri paKorinte, Pauro wakati agura namatiʋi enyika okumsoro, akaȿika Efeso, akawana ʋamŋe ʋadzidzi, 2akati kwaʋari: Makagamucira Mŋeya Mutȿene pakutenda kwenyu here? Ʋakati kwaari: Kwete, hatina‐kutoŋgonzwa kuti Mŋeya Mutȿene uri’po. 3Akati: Ko makabapatidzwa norubapatidzo rwupiko? Ʋakati: Norubapatidzo rwaJohane. 4Ɀino Pauro akati: Johane wakabapatidza norubapatidzo rwokutendeʋuka, aciʋudza ʋanhu kuti ʋatende kunaiye unozoʋuya shure kwake, iye Jesu. 5Ʋakati ʋaɀinzwa iɀoɀo, ʋakabapatidzwa muzita raShe Jesu. 6Ɀino Pauro wakati aisa maʋoko ake pamsoro paʋo, Mŋeya Mutȿene akaʋuya pamsoro paʋo, ʋakataura nendimi, ʋakaprofita. 7Iʋaʋo ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge gumi naʋaʋiri.
8Ɀino wakapinda musinagoge, akataura asiŋgatyi mŋedzi mitatu, acitaurirana naʋo, aciʋagombedzera namashoko oʋushe bgaMŋari. 9Asi ʋamŋe ʋakati ʋaciwomesa mŋoyo, ʋasiŋgatereri, ʋaciɀidza Nzira iyo pamberi paʋazhinji, akabva kwaʋari, akatsaura ʋadzidzi, akataurirana naʋo zuʋa rimŋe nerimŋe mucikoro caTirano. 10Iɀoɀo ɀikaitwa makore maʋiri; nokuɗaro ʋose ʋakaŋga ʋagere paAsia ʋakanzwa shoko raShe, ʋaJuda naʋaGiriki. 11NaMŋari wakaita masimba anoshamisa namaʋoko aPauro, 12nokuɗaro miceka neŋguʋo, ɀaibva pamuʋiri wake, ɀaiiswa kuʋarwere, hosha dzikabva kwaʋari, nemŋeya yakaipa ikaɓuɗa. 13Ɀino ʋamŋe ʋaJuda, ʋaʋuki, ʋaipota‐pota, ʋakaidza kuɗana zita raShe Jesu pamsoro paʋaiʋa nemŋeya yakaipa, ʋaciti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro. 14Ʋaiʋa ʋanakomana ʋanomŋe ʋomumŋe muJuda, wainzi Skeva, muprista mukuru, ʋaiita iɀoɀo. 15Mŋeya wakaipa ukapindura, ukati kwaʋari: Jesu ndinomuziʋa, naPauro ndinomuziʋa, asi imi ndimi ʋananiko? 16Ipapo munhu waiʋa nomŋeya wakaipa akaʋamukira simba, akaʋakurira ʋose ʋari ʋaʋiri, akaʋakunda; nokuɗaro ʋakatiza mumba imomo, ʋasineŋguʋo, ʋakuʋadzwa. 17Iɀoɀo ɀikazikanwa naʋose, ʋaJuda naʋaGiriki, ʋakaŋga ʋagere Efeso ʋakatya ʋose, zita raShe Jesu rikakudzwa. 18Ɀino ʋazhinji ʋaʋakaŋga ʋatenda ʋakaʋuya, ʋakaɀireʋurura, nokurondedzera maɓasa aʋo. 19Naʋamŋe ʋazhinji ʋaiita ʋuŋaŋga, ʋakaʋuŋganidza buku dzaʋo, ʋakadzipisa pamberi paʋose; ʋakaʋereŋga muteŋgo wadzo, ʋakawana kuti waiʋa masirveri aneɀuru ɀinamakumi mashanu.#19:19 Mari ineŋge pondo dzineɀuru ɀiʋiri. 20Naiɀoɀo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.
21Iɀoɀo ɀakati ɀapedziswa, Pauro akafuŋga mumŋoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedonia neAkaya, aciti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundoʋona Roma ʋo. 22Ɀino akatumira Makedonia ʋaʋiri ʋaʋaimushumira, ʋanaTimotio naErasto, iye amene akagara Asia ŋguʋa ɗuku.
Ƃope rakamutswa naDemetrio.
23Ɀino neŋguʋa iyo ɓope guru rikaʋa’po pamsoro peNzira iyo. 24Nokuti mumŋe, wainzi Demetrio, mupfuri wesirveri, waiita ɀitembere ɀaDiana ɀesirveri, waifumisa ɀikuru mhizha dza’po. 25Akaʋaʋuŋganidza iʋo pamŋe cete naʋamŋe ʋaɓati ʋeɀakaɗaro, akati: Ʋarume, munoziʋa kuti neɓasa iri tinowana fuma yeɗu. 26Ɀino munoʋona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa ʋazhinji, pasati pari paEfeso ɓedzi, asi paneŋge paAsia yose, aciti, ɀakaitwa namaʋoko haʋazi ʋamŋari. 27Ɀino njodzi ndiyo kuti habguzi ʋumhizha bgeɗu ɓedzi bguŋgaɀidzwa, asi kuti tembere yamŋarikadzi mukuru Diana icashoʋorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe paʋukuru bgake. 28Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru! 29Guta rikakaŋganiswa kwaɀo; ʋakamhanyira nomŋoyo mumŋe panɀimbo paitambga, ʋaɓata Gayo naAristarko, ʋarume ʋeMakedonia, ʋaiperekedza Pauro. 30Ɀino Pauro akaɗa kupinda kuʋanhu, ʋadzidzi ʋakasamutendera. 31Naʋamŋe ʋakuru ʋeAsia, ʋaiʋa shamŋari dzake, ʋakatuma shoko kwaari, ʋacikumbira ɀikuru kwaari kuti arege kupinda panɀimbo paitambga. 32Ɀino ʋamŋe ʋakaɗanidzira ɀimŋe, ʋamŋe ɀimŋe ɀe; nokuti ʋuŋgano yakaŋga yanyoŋganiswa, ʋazhinji ʋasiŋgaziʋi ɀaʋakaʋuŋganira. 33Ipapo ʋakaɓuɗisa Areksandro mukati maʋanhu ʋazhinji, ʋaJuda ʋacimusundira mberi; ɀino Areksandro akaninira noruʋoko, aciɗa kuɀiɗaʋirira pamberi paʋanhu. 34Ipapo ʋakati ʋaciʋona kuti iye muJuda, inzwi rimŋe rikamuka kunaʋose, ʋakaɗanidzira ŋguʋa dzineŋge mbiri, ʋaciti: Diana waʋaEfeso mukuru! 35Ɀino munyori weguta wakanyaradza ʋanhu, akati: Ʋarume ʋeEfeso, munhu ndoupiko usiŋgaziʋi, kuti guta raʋaEfeso ndiwo muceŋgeti wetembere yaDiana mukuru nowomufananidzo wakaɓuruka kuɗeŋga? 36Ɀaɀisiŋgagoni kurambga iɀoɀi, maifanira kunyarara musiŋgaiti cinhu nokusaraŋgarira kwaɀo. 37Nokuti maʋuya naʋarume aʋa, ʋasati ʋari mbava dzetembere kana ʋamhuri ʋamŋarikadzi weɗu. 38Ɀino kana Demetrio nedzimŋe mhizha naye ʋanemhoȿa nomunhu, misi yokutoŋga iri’po, naʋatoŋgi ʋari’po; ŋgaʋakwirirane haʋo. 39Asi kana mucitȿaka cimŋe cinhu pamsoro pedzimŋe mhoȿa, ɀiŋgatemŋa paʋuŋgano yakafanira. 40Nokuti njodzi ndiyo kuti tiŋgakwirirwa pamsoro peɓope ranhasi, ɀakusinemhoȿa; kana ciri cinhu ici hatiŋgagoni kupindura pamsoro pemhere‐mhere iyi. 41Wakati ataura iɀoɀo, akaendisa ʋuŋgano.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018