Mabasa 2:2-4
Mabasa 2:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
Mabasa 2:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva.
Mabasa 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo kwakava nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona marimi anenge omoto akapararana achindogara pano mumwe nomumwe wavo. Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure.
Mabasa 2:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovuvuta nesimba kwakabva kuɗeŋga, kukazadza imba yose maʋakaŋga ʋagere. Ʋakaʋona ʋo ndimi dziciparadzana, dzineŋge dzomŋoto; ndokumhara pamusoro womumŋe nomumŋe waʋo. Ʋose ʋakazadzwa noMŋeya Mutȿene, ʋakataŋga kutaura nedzimŋe ndimi, paʋakapiwa napo noMŋeya kureʋa.
Mabasa 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)