Mabasa 2:46-47
Mabasa 2:46-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
Mabasa 2:46-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa.
Mabasa 2:46-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zuva nezuva, nomwoyo mumwechete vaienda pamwechete kuTemberi vachimedura chingwa mudzimba dzavo. Vaidya chokudya nomwoyo unofara nemwoyo unopa vachirumbidza Mwari vachidiwa navanhu vose. Tenzi vaiwanziridza uwandu hwavo zuva nezuva hwaavo vainge vachiponeswa.
Mabasa 2:46-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀuʋa rimŋe nerimŋe ʋakaŋga ʋacitsuŋgirira mutembere nomŋoyo mumŋe, ʋacimeɗura ciŋgwa mudzimba dzaʋo, ʋacidya ɀokudya ɀaʋo nomufaro nomŋoyo wakanaka, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciɗikanwa naʋanhu ʋose. Ishe akawedzera kwaʋari zuʋa rimŋe nerimŋe aʋo ʋaiponeswa.
Mabasa 2:46-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)