Mabasa 7:60 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 7:60 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 7 BDSCMabasa 7:60 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 7 SNA2002Mabasa 7:60 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akafugama, akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: Ishe, musaʋapa mhoȿa yeciʋi ici. Akati areʋa iɀoɀo, akaʋata rufu.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 7 SUB1949Mabasa 7:60 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 7 SCLBMabasa 7:60 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 7 SCLBD