VaKorose 3:16-17
VaKorose 3:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
VaKorose 3:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurayirana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumwoyo menyu; uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raIshe Jesu, muchivonga Mwari baba naye.
VaKorose 3:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raKristu noupfumi hwaro ngarinyatsoti tindindi mamuri muchidzidzisana nokurairana noungwaru muchiimba nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchitenda Mwari mumwoyo menyu. Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba.
VaKorose 3:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko raKristu ŋgarigare mukati menyu riwande; nokucenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀomŋeya, muimbire Mŋari nenyasha mumŋoyo menyu; ʋuye ɀose ɀamunoita, kana ɀiri ɀeshoko kana ɓasa, itai ɀose nezita raShe Jesu, muciʋoŋga Mŋari Ƃaɓa naye.
VaKorose 3:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)