Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 11:15 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhanieri 11:15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 BDSC

Dhanieri 11:15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SNA2002

Dhanieri 11:15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mambo wokumsoro ucaȿika, ndokuʋatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakaʋakirwa kwaɀo; hondo dzezasi hadziŋgagoni kumira, kunyaŋge naʋanhu ʋake ʋakatsaurwa, ʋuye ʋacashaiwa simba rokumira naro.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SUB1949

Dhanieri 11:15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SCLB

Dhanieri 11:15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SCLBD