Dhanieri 3:16-18
Dhanieri 3:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
Dhanieri 3:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”
Dhanieri 3:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.”
Dhanieri 3:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi.
Dhanieri 3:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)