Dhanieri 6:22
Dhanieri 6:22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”
Dhanieri 6:22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.”
Dhanieri 6:22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.”
Dhanieri 6:22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita.