Dhanieri 6:26-27
Dhanieri 6:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoumambo hwangu vanhu vanofanira kutya Mwari waDhanieri uye vamuremekedze. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu, anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi. Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”
Dhanieri 6:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanieri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma. Ndiye anorwira nokusunungura, ndiye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”
Dhanieri 6:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndatema chirevo chokuti: Kwose kwandinotonga ini samambo, vanhu ngavadedere vachitya Mwari waDhanieri: “Nokuti iyeyu ndiye Mwari mupenyu anogara narini narini wose. Umambo hwake haumbofa hwakaparadzwa, hutongi hwake huchavako kudzamara kumagumo chaiko. “Anonunura uye anoponesa, anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napasi iye akanunura Dhanieri mukanwa meshumba.”
Dhanieri 6:26-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinotema cireʋo, kuti panyika yose yoʋushe bgaŋgu ʋanhu ʋose ʋaɗeɗere ʋatye pamberi paMŋari waDanieri; nokuti ndiye Mŋari mupenyu, uri’po nokusiŋgaperi, ʋushe bgake haʋuŋgaparadzwi; kuɓata kwake ʋushe kucaʋa’po kuȿikira pakuguma. Ndiye unorwira nokusunuŋgura, ndiye unoita ɀiratidzo neɀishamiso kuɗeŋga napanyika, ndiye wakarwira Danieri pasimba reshumba.
Dhanieri 6:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)