Dhanieri 9:18-19
Dhanieri 9:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. Haiwa Ishe, inzwai! Haiwa Ishe kanganwirai! Haiwa Ishe, inzwai muite! Haiwa Mwari wangu, nokuda kwenyu musanonoka, nokuti vanhu venyu neguta renyu vakatumidzwa Zita renyu.”
Dhanieri 9:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. Aiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, muite; zvatinokumbira regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu, nokuda kweguta renyu navanhu venyu vakatumidzwa zita renyu.
Dhanieri 9:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhai Mwari wangu rerekerai nzeve yenyu munzwe, zarurai maziso enyu muone kuparara kwataita neguta rinodaidzwa nezita renyu. Chatinodariro ndechokuti kunyengetera kwatiri kuita kwamuri kudai hakusi kuti isu takarurama, asi kuti pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda. Tenzi inzwai Tenzi regererai. Tirimukai muwane zvamungaite, musanonoke zvenyu, muchizviitiremi, Mwari wangu, nokuti guta renyu navanhu venyu zvinodaidzwa nezita renyu.”
Dhanieri 9:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, Mŋari waŋgu, rerekerai nzeʋe yenyu, munzwe; ȿinudzai meso enyu, muʋone kuparadzwa kweɗu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatiȿitsi mikumbiro yeɗu pamberi penyu nokuɗa kweɀakarurama ɀeɗu, asi nokuɗa kwenyasha dzenyu huru. Haiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kaŋganwirai; Ishe, tererai, muite; regai kunonoka, nokuɗa kwenyu, imi Mŋari waŋgu, nokuɗa kweguta renyu naʋanhu ʋenyu ʋakatumidzwa zita renyu.
Dhanieri 9:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)