Dhuteronomi 10:12-13
Dhuteronomi 10:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose, uye uchengete mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?
Dhuteronomi 10:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose, nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka.
Dhuteronomi 10:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose. Uteerere mitemo yaTenzi, nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti zvikunakirei.
Dhuteronomi 10:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, Israeri, Jehova Mŋari wako unotȿakeiko kwauri, asi kuti utye Jehova Mŋari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuɗa, nokushumira Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose ʋuye nomŋeya wako wose, nokuceŋgeta mirairo yaJehova, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi kuti ufare ɀakanaka.
Dhuteronomi 10:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)