Dhuteronomi 11:13-14
Dhuteronomi 11:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka kana mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu uye mukamushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, ipapo ndichanayisa mvura panyika yenyu nemwaka wayo, mvura yamasutso neyomunakamwe, kuitira kuti mugone kukohwa zviyo zvenyu newaini itsva namafuta.
Dhuteronomi 11:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana mukaterera zvakanaka mirairo yangu, yandinokuraira nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako.
Dhuteronomi 11:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana machengeta mitemo yandiri kukupai nhasi uno, mukada Tenzi Mwari wenyu, nokumushandira nomwoyo wose, nomweya wenyu wose, achakunayisirai mvura yomunhuruka neyematsutso nemwaka wayo chaiwo munyika yenyu, kuti unyatsokohwa mbesanwa dzako, newaini yako namafuta.
Dhuteronomi 11:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana mukaterera ɀakanaka mirairo yaŋgu, yandinokuraira nhasi, mukaɗa Jehova Mŋari wenyu nokumushumira nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose, ndicapa nyika yenyu mvura paŋguʋa yayo, mvura yokutaŋga nemvura yokuteʋerera, kuti ugone kukohwa ɀiyo ɀako, newaini yako, namafuta ako.
Dhuteronomi 11:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Kana machengeta mitemo yandiri kukupai nhasi uno, mukada Tenzi Mwari wenyu, nokumushandira nomwoyo wose, nomweya wenyu wose, achakunayisirai mvura yomunhuruka neyematsutso nemwaka wayo chaiwo munyika yenyu, kuti unyatsokohwa mbesanwa dzako, newaini yako namafuta.