Dhuteronomi 11:26-28
Dhuteronomi 11:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tarirai, nhasi ndiri kuisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa, kuropafadzwa kana muchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai nhasi; kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukatsauka kubva panzira yandinokurayirai nhasi muchitevera vamwe vamwari, avo vamusati maziva.
Dhuteronomi 11:26-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi; nokutukwa, kana musingatereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva.
Dhuteronomi 11:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Teerera unzwe, nhasi uno ndakuisira zvokusarudza, chikomborero kana rushambwa. Unowana chikomborero kana ukateerera mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno. Asi unowana rushambwa kana ukasateerera mitemo yaTenzi Mwari wako wotsauka panzira yandiri kukuudza nhasi uno, wotevera vamwe vamwari vausina kumboziva.
Dhuteronomi 11:26-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai nhasi; nokutukwa, kana musiŋgatereri mirairo yaJehova Mŋari wenyu, asi mucitsauka panzira yandinokurairai nhasi, mukateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋamusina‐kuziʋa.
Dhuteronomi 11:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)