Dhuteronomi 18:10-11
Dhuteronomi 18:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi, kana anoita zvounʼanga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa.
Dhuteronomi 18:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n'anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa.
Dhuteronomi 18:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakati penyu ngaparege kuva nomunhu anopisa mumoto mwana wake, mukomana kana musikana somupiro. Hapafanire kuva nomunhu anoshopera, kana anofembera nemaminimini, kana anoita un'anga hwokududzira mashura, kana munhu akaromba mishonga, kana anoita mapipi, kana kuva svikiro, kana ane shave rouroyi, kana anobvunzira kumidzimu
Dhuteronomi 18:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mŋanakomana wake kana mŋanasikana wake mumŋoto, kana unoʋuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazaŋgo, kana muroyi, kana ŋaŋga, kana unobvunza maȿikiro, kana muʋuki, kana unobvunza ʋakafa.
Dhuteronomi 18:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)