Dhuteronomi 2:7 - Compare All Versions
Dhuteronomi 2:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.
Dhuteronomi 2:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“ ‘Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.’
Dhuteronomi 2:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
“Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya.
Dhuteronomi 2:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti Jehova Mŋari wako wakakuropafadza pamaɓasa ose amaʋoko ako; iye unoziʋa kufamba kwako murenje iri guru. Jehova Mŋari wako wakaʋa newe makore awa makumi manna; haunakushaiwa cinhu.
Dhuteronomi 2:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)