Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 24:5 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhuteronomi 24:5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 24 BDSC

Dhuteronomi 24:5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 24 SNA2002

Dhuteronomi 24:5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kana munhu acaŋgowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kuɓatiswa rimŋe ɓasa; unofanira kugara kumusha gore rimŋe akasunuŋguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 24 SUB1949

Dhuteronomi 24:5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Kana murume apiwa mukadzi waachangobva mukuroora ngaarege kuenda kuhondo, kana kupiwa mutoro webasa renyika yake rinofanira kuitwa. Ngaagare zvake pamusha kwegore rose achivaraidzana nomudzimai waakaroora.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 24 SCLB

Dhuteronomi 24:5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Kana murume apiwa mukadzi waachangobva mukuroora ngaarege kuenda kuhondo, kana kupiwa mutoro webasa renyika yake rinofanira kuitwa. Ngaagare zvake pamusha kwegore rose achivaraidzana nomudzimai waakaroora.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 24 SCLBD