Dhuteronomi 28:13 - Enzanisa Shanduro Dzose
Dhuteronomi 28:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha achakuita musoro, kwete muswe. Kana ukanyatsoteerera kumirayiro yaJehovha Mwari wako yandinokupa nhasi uye ukachenjerera kuitevera, ucharamba uri pamusoro chete, haungavi pasi.
Dhuteronomi 28:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita
Dhuteronomi 28:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Jehova ucakuita musoro, haaŋgakuiti muswe; ucaʋa kumsoro ɓedzi, hauŋgaʋi pasi; kana uciterera mirairo yaJehova Mŋari wako, yandinokuraira nhasi, ucishiŋgaira kuiita
Dhuteronomi 28:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo.
Dhuteronomi 28:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo.