Dhuteronomi 29:29 - Enzanisa Shanduro Dzose
Dhuteronomi 29:29 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.
Dhuteronomi 29:29 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.
Dhuteronomi 29:29 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀinhu ɀakaʋanzwa ndeɀaJehova Mŋari weɗu; asi ɀinhu ɀakaratidzwa pacena ndeɀeɗu, isu naʋana ʋeɗu nokusiŋgaperi, kuti tiite mashoko ose omurairo uyu.
Dhuteronomi 29:29 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvinhu zvinenge zvakavanzika ndezvaTenzi Mwari wedu, asi zvakaburitswa pachena ndozveduwo navana vedu nokusingaperi kuti tichengete zvose zvinorehwa nomutemo uyu.
Dhuteronomi 29:29 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
“Zvinhu zvinenge zvakavanzika ndezvaTenzi Mwari wedu, asi zvakaburitswa pachena ndozveduwo navana vedu nokusingaperi kuti tichengete zvose zvinorehwa nomutemo uyu.