Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 30:16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhuteronomi 30:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama ugowanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 BDSC

Dhuteronomi 30:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvandinokuraira nhasi ndizvo, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema nezvaakatonga, kuti urarame, uwande, uye kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti ive yako.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SNA2002

Dhuteronomi 30:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀandinokuraira nhasi ndiɀo, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, nokuceŋgeta mirairo yake neɀaakatema neɀaakatoŋga, kuti urarame, uwande, ʋuye kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze kunyika kwaunoenda kwairi, kuti iʋe yako.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SUB1949

Dhuteronomi 30:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SCLB

Dhuteronomi 30:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SCLBD