Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 30:17-18 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhuteronomi 30:17-18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi kana mwoyo wako ukatsauka uye kana usingateereri, uye kana ukakwezvwa kuti undopfugamira vamwe vamwari ugovanamata, ndinokuudza nhasi kuti uchaparadzwa zvirokwazvo. Haungararami kwenguva refu munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mupinde mugoitora.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 BDSC

Dhuteronomi 30:17-18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi kana mwoyo wako ukatsauka, ukaramba kuteerera, ukatsauswa kunamata vamwe vamwari nokuvashumira, ndinokuudzai nhasi, kuti muchaparadzwa zvirokwazvo; hamungavi namazuva mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti ive yako.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SNA2002

Dhuteronomi 30:17-18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi kana mŋoyo wako ukatsauka, ukaramba kuterera, ukatsauswa kunamata ʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira, ndinokuʋudzai nhasi, kuti mucaparadzwa ɀirokwaɀo; hamuŋgaʋi namazuʋa mazhinji kunyika kwaunoyambukira nhasi, kuti iʋe yako.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SUB1949

Dhuteronomi 30:17-18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira, ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SCLB

Dhuteronomi 30:17-18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira, ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SCLBD