Dhuteronomi 30:19-20 - Enzanisa Shanduro Dzose
Dhuteronomi 30:19-20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama. Uye ugoda Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye ugobatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, Isaka naJakobho.
Dhuteronomi 30:19-20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera izwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehovha madzibaba ako, Abhurahamu naIsaka naJakobho, kuti uchavapa iyo.”
Dhuteronomi 30:19-20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndinoɗana kuɗeŋga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako ʋupenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naiɀoɀo tsaura ʋupenyu, kuti urarame, iwe naʋana ʋako; kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokuterera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndibgo ʋupenyu bgako, nokuwanzwa kwamazuʋa ako; kuti ugare munyika yakapikira Jehova madziɓaɓa ako, Abrahama naIsaka naJakobo, kuti ucaʋapa iyo.
Dhuteronomi 30:19-20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako, ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.”
Dhuteronomi 30:19-20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)