Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 30:9 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhuteronomi 30:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Jehovha Mwari wako achakupfumisa zvikuru mumabasa ose amaoko ako nechibereko chomuviri wako, nezvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvibereko zvevhu rako. Jehovha achafadzwazve newe agokupfumisa, sokufadzwa kwaakaitwa namadzibaba ako

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 BDSC

Dhuteronomi 30:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Jehovha Mwari wako uchawanza zvinobatwa namaoko ako, nezvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kuti zvifare; nokuti Jehovha uchakufarirazve zvakanaka, sezvaakafarira madzibaba ako

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SNA2002

Dhuteronomi 30:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jehova Mŋari wako ucawanza ɀinoɓatwa namaʋoko ako, neɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀevu rako, kuti ɀifare; nokuti Jehova ucakufarira ɀe ɀakanaka, seɀaakafarira madziɓaɓa ako

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SUB1949

Dhuteronomi 30:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tenzi Mwari wako achakupfumisa kwazvo pane zvose zvauchaita namaoko ako, achakupa vana vazhinji, nemombe dzakawanda nezvokukohwa zvizhinji nokuti Tenzi achakufarira achikuita kuti ubudirire sokufarira kwaakaita madzibaba ako

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SCLB

Dhuteronomi 30:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Tenzi Mwari wako achakupfumisa kwazvo pane zvose zvauchaita namaoko ako, achakupa vana vazhinji, nemombe dzakawanda nezvokukohwa zvizhinji nokuti Tenzi achakufarira achikuita kuti ubudirire sokufarira kwaakaita madzibaba ako

Pakurirana nevamwe
Dhuteronomi 30 SCLBD