Dhuteronomi 8:2
Dhuteronomi 8:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai uye achikuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete.
Dhuteronomi 8:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
Dhuteronomi 8:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete.
Dhuteronomi 8:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete.
Dhuteronomi 8:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)